Shoko RehupenyuTTB - Shona Author: TTB - Shona
Tsanangudzo Chirongwa, Shoko Roupenyu chimwe chikamu chezvirongwa zvinodzidzisa Bhaibheri pamhepo zvinoitwa nebato reThru The Bible . Chirongwa ichi chakagadzirwa naDr J. Vernon MacGee chiri mururimi rwechirungu. Parizvino chirongwa ichi chaturikirwa kuve mumitauro inodarika zana kusanganisira rurimi rweChiShona. Chirongwa ichi charongwa kuti chitepfenyurwe pa radio kwemaminitsi makumi matatu pazuva rega rega chichibatsira muteereri kudzidza Bhaibheri zvakarongeka. Parizvino zvirongwa izvi zvave kuwanikwa online pa internet. Tinofara kuti wasarudza kutanga kuteerera kuzvirongwa izvi kuti udzidze zvizhinji pamusoro peShoko raMwari. Tinokukurudzira kuti uteerera kuchirongwa chimwe chete pazuva rega rega kubva Muvhuro kusvika Chishanu. Ukakwanisa kuita izvi kwemakore mashanu anotevera unenge wadzidza Bhaibheri rose. Language: sn Genres: Christianity, Religion & Spirituality Contact email: Get it Feed URL: Get it iTunes ID: Get it |
Listen Now...
Muprofita Nahumi 2:6-13
Sunday, 29 December, 2024